Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari. Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi. Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake; zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo munaMwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza
Verenga chikamu Varoma 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 5:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo