Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:21-33

Varoma 15:21-33 SNA2002

asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Avo, vasina kuudzwa zvake, vachaona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kuuya kwamuri; zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuuya kwamuri, kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi). Asi zvino ndomboenda Jerusaremu kundoshumira vatsvene. Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu. Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama. Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Sipeini nokwenyu. Ndinoziva kuti kana ndichiuya kwenyu, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu; kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhea, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene; kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwechete nemi. Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Verenga chikamu Varoma 15