Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro. Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
Nokuti ndinoti, Kristu akaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba. Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni,
Nokukuimbirai zita renyu.”
Uyezve unoti,
“Farai imi vahedheni, navanhu vake.”
Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose;
Marudzi ose ngaamukudze.”
Uyezve, Isaya anoti,
“Mudzi waJese uchavapo,
Naiye unomuka, kuti abate vahedheni;
Vahedheni vachamutarira iye.”
Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.