Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 14:1-23

Varoma 14:1-23 SNA2002

Zvino gamuchirai asina simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake. Mumwe munhu anokutenda kuti angadya zvose; asi asina simba anodya miriwo. Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi; asingadyi ngaarege kupa mhosva anodya; nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye anomira kana anowa pamberi paIshe wake. Achamiswa hake, nokuti Ishe ane simba rokumumisa. Mumwe munhu anoti zuva rimwe rinopfuura rimwe; mumwe anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumwoyo make. Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira iye oga, hakuna anozvifira iye oga. Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, kana tichifa tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. Nokuti Kristu akafira izvozvi, akararamazve kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Noupenyu hwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandipfugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari. Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zviri nani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake. Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chine tsvina. Nokuti kana hama yako ichisvibiswa mwoyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo akafirwa naKristu. Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa. Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene. Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo. Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo, asi zvakaipira munhu anodya achigumbusa vamwe. Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako. Kana uri iwe, kutenda kwaunako uve nako umene pamberi paMwari. Akaropafadzwa munhu uyo asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitendera. Asi uyo anonyunyuta ava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.

Verenga chikamu Varoma 14