Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa. Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho. Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.
Verenga chikamu Varoma 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 13:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo