Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.” Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye anogara pachigaro choushe, iye ari mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga. Vakuru vana makumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye agere pachigaro choushe, vachinamata iye, ari mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro choushe, vachiti, “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”