Pamberi pechigaro choushe pakanga pane gungwa rakaonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro choushe, napamativi ose echigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chine chiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka. Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.” Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye anogara pachigaro choushe, iye ari mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga. Vakuru vana makumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye agere pachigaro choushe, vachinamata iye, ari mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro choushe, vachiti, “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”