Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 19:1-21

Zvakazarurwa 19:1-21 SNA2002

Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.” Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi-peri.” Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!” Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji-zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe. Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzirira. “Akapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usina tsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.” Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.” Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri, “Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwechete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari,” nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita. Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama. Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga pane korona zhinji; wakanga ane zita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi. Akanga akapfeka nguo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi, “Shoko raMwari.” Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhiza machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usina tsvina. Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; achaafudza netsvimbo yedare; anotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari waMasimbaose. Panguo yake napachidya chake pakanga pakanyorwa zita rinoti, “MAMBO WAMADZIMAMBO, NAISHE WAMADZISHE.” Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nezwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga, “Uyai muungane pachirariro chikuru chaMwari, kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezviuru zvamazana, nenyama yavane simba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.” Zvino ndakaona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza, nehondo dzake. Ipapo chikara chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema, akaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesuriferi. Vakasara vakaurawa nomunondo waiye akanga akatasva bhiza, akabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.