Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve. Nezwi ravanoridza madimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nezwi reguyo harichatongonzwiki mauri; chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nezwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti nouroyi hwako marudzi ose akanyengerwa.” Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.
Verenga chikamu Zvakazarurwa 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 18:21-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo