Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 12:7-17

Zvakazarurwa 12:7-17 SNA2002

Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo. Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku. Ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu. Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti achine nguva duku.” Shato yakati yaona kuti yakandirwa pasi panyika ikatambudza mukadzi akazvara mwana womukomana. Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi neshato mumuromo mayo. Zvino shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.