Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; zvikanzi, “Simuka, uere temberi yaMwari, nearitari, navanonamata mairi. Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetemberi, usaruera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri. Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.”
Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana kunomunhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo. Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvauraya. Mitumbi yavo icharaswa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwawo Ishe wavo pamuchinjikwa. Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachaona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro. Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika. Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuura, mweya woupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavaona. Ipapo vakanzwa izwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari, “Kwirai pano.” Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavaona.
Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.
Zvino mutumwa wechinomwe akaridza; mazwi makuru akavapo kudenga, achiti, “Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.” Ipapo Vakuru vana makumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo, vakanamata Mwari, vachiti, “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari waMasimbaose, muripo, makanga muripo; nokuti makatora simba renyu guru, makabata ushe. Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”
Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikaonekwa mutemberi yake; ipapo kwakavapo mheni, namazwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.