Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 10

10
Bhuku rinobva kudenga rinodyiwa naJohani
1Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto. 2Akanga akabata bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboshwe pamusoro penyika; 3akadanidzira nezwi guru seshumba inorira; iye akati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa mazwi ako. 4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Zarira zvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.”
5Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga, 6akapika naiye ari mupenyu nokusingaperi-peri, akasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo. 7Asi namazuva ezwi romutumwa wechinomwe, kana vodakuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
8Ipapo izwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataurazve kwandiri, richiti, “Enda utore bhuku rakazaruka riri muruoko rwomutumwa, amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.”
9Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari, “Ndipei bhuku duku.” Iye akati kwandiri, “Tora, uridye, richavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako richanaka souchi.”
10Ipapo ndakatora bhuku duku muruoko rwomutumwa, ndikaridya; rikanaka mumuromo mangu souchi; asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu mukavaviswa. 11Vakati kwandiri, “Unofanira kuporofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Zvakazarurwa 10: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda