Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 10:1-11

Zvakazarurwa 10:1-11 SNA2002

Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto. Akanga akabata bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboshwe pamusoro penyika; akadanidzira nezwi guru seshumba inorira; iye akati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa mazwi ako. Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Zarira zvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.” Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga, akapika naiye ari mupenyu nokusingaperi-peri, akasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo. Asi namazuva ezwi romutumwa wechinomwe, kana vodakuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita. Ipapo izwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataurazve kwandiri, richiti, “Enda utore bhuku rakazaruka riri muruoko rwomutumwa, amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.” Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari, “Ndipei bhuku duku.” Iye akati kwandiri, “Tora, uridye, richavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako richanaka souchi.” Ipapo ndakatora bhuku duku muruoko rwomutumwa, ndikaridya; rikanaka mumuromo mangu souchi; asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu mukavaviswa. Vakati kwandiri, “Unofanira kuporofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.”