Mapisarema 82
82
Mwari ndiye mutongi mukuru
Pisarema raAsafi.
1Mwari anomira paungano yaMwari;
Anotonga pakati pavamwari.
2“Muchatonga zvisina kururama kusvikira riniko,
Muchisanangura vanhu vakaipa?
3Tongerai mhaka dzavarombo nenherera;
Ruramisirai vanotambudzika navanoshaiwa chose.
4Sunungurai varombo navashaiwi
Varwirei paruoko rwowakaipa.”
5Havazivi, havanzwisisi;
Vanofamba-famba murima;
Nheyo dzose dzapasi dzinozununguka.
6Ndakati, “Muri vamwari,
Mose muri vanakomana voWokumusorosoro.
7Kunyange zvakadaro muchafa savanhu,
Muchafa somumwe wamachinda.”
8Simukai Mwari, mutongere pasi;
Nokuti ndudzi dzose dzichava nhaka yenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 82: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002