Mapisarema 75
75
Rwiyo rwokuvonga Mwari
Kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raAsafi. Rwiyo.
1Tinokuvongai, Mwari;
Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedyo;
Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
2“Kana ndichiwana nguva yakafanira,
Ndichatonga zvakarurama.
3Pasi pose panyauka navose vagerepo;
Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
4Ndakati kuna vana manyawi,
‘Regai kuita namanyawi;’
Nokuna vakaipa,
‘Regai kusimudza runyanga.’
5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga;
Regai kutaura nomutsipa mukukutu.”
6Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira,
Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
7Asi Mwari ndiye mutongi;
Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
8Nokuti muruoko rwaJehovha
munomukombe, newaini inopupuma;
Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri;
Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika
vachasvina masese awo, nokuanwa.
9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi,
Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.
10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura;
Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 75: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002