Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 70

70
Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amurwire
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi; rwiyo rwokuyeudzira.
1Kurumidzai, Mwari, kundirwira;
Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
2Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe
Ivo vanotsvaka mweya wangu;
Ngavadzoserwe shure, vashoorwe
Ivo vanofarira kundikuvadza.
3Ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo
Ivo vanoti, “Hekani, hekani! Waro!”
4Vose vanokutsvakai ngavafarise vave
nomufaro mamuri;
Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti,
“Mwari ngaakudzwe!”
5Asi ini ndiri murombo nomushaiwi;
Kurumidzai muuye kwandiri, Mwari;
Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu;
Regai kunonoka, Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 70: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda