Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Boporodzi remvura rirege kundikunda. Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Swederai kumweya wangu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
Verenga chikamu Mapisarema 69
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 69:13-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo