Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 69:13-18

Mapisarema 69:13-18 SNA2002

Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Boporodzi remvura rirege kundikunda. Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Swederai kumweya wangu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.