Mapisarema 66
66
Rwiyo rwomufaro pamusoro pokukunda
Kumutungamiriri wokuimba. Rwiyo nePisarema.
1Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;
2Imbirai mukurumbira wezita rake;
Rumbidzai kudzo yake.
3Itiyi kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei!
Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu
nemhaka youkuru hwesimba renyu.
4Pasi pose pachanamata kwamuri,
Pachakuimbirai;
Vachaimbira zita renyu.”
5Uyai, muone mabasa aMwari;
Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma;
Vakayambuka rwizi netsoka;
Ipapo takafara maari.
7Anobata hushe nokusingaperi nesimba rake;
Meso ake anocherekedza ndudzi;
Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
8Vongai Mwari, imi vanhu,
Izwi rokumurumbidza ngarinzwike;
9Iye anopa mweya upenyu,
Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
10Nokuti imi Mwari makatiidza;
Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
11Makatipinza pamumbure;
Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu;
Takapinda nomumoto nemvura;
Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa,
Ndichakuitirai mhiko dzangu,
14Dzakarehwa nemiromo yangu,
Dzakataurwa nomuromo wangu
pakutambudzika kwangu.
15Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora,
Nezvinonhuwira zvamakondohwe;
Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
16Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari,
Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
17Ndakachema kwaari nomuromo wangu,
Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
18Kana ndikarangarira zvakaipa mumwoyo mangu,
Ishe haangandinzwi;
19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa;
Akateerera izwi rokunyengetera kwangu.
20Mwari ngaavongwe,
Iye asina kuramba munyengetero wangu,
kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 66: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002