Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro. Mwari akapenya Ari paZioni, iro rakanaka-naka kwazvo. Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro. Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene. “Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu. Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose. Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako. Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana. Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu. Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo. Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako; Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.”
Verenga chikamu Mapisarema 50
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 50:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo