Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 47

47
Marudzi ose ngaarumbidze Jehovha
Kumutungamiriri wokuimba; Pisarema ravanakomana vaKora.
1Uchirai, imi vanhu vose!
Pururudzai kuna Mwari nezwi romufaro mukuru!
2Nokuti Jehovha wokumusoro-soro anotyisa;
Ndiye Mambo mukuru panyika yose.
3Ndiye anotikundisa ndudzi dzavanhu,
Nendudzi pasi petsoka dzedu.
4Ndiye anotitsaurira nhaka yedu,
Iyo pfuma yaJakobho waanoda.
5Mwari akwira nokudanidzira,
Jehovha nokurira kwehwamanda.
6Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza,
muimbirei nziyo dzokurumbidza;
Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza,
muimbirei nziyo dzokurumbidza.
7Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose;
Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza.
8Mwari anobata ushe hwavahedheni;
Mwari agere pachigaro chake chitsvene choushe.
9Machinda avanhu aungana
pamwechete navanhu vaMwari waAbhurahamu;
Nokuti nhoo dzapasi pose ndedzaMwari;
Ndiye mukuru-kuru kwazvo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 47: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda