Mapisarema 43
43
Munyengetero kufambiswa nechiedza nezvokwadi yaJehovha
1Nditongerei Mwari, mundireverere pamhosva yangu
parudzi rusina tsitsi;
Ndirwirei pamunhu anonyengera asina kururama.
2Nokuti ndimi Mwari simba rangu;
mandirasireiko?
Ndinofambireiko ndichichema nokuda
kwokumanikidza kwomuvengi?
3Tumai chiedza chenyu nezvokwadi
yenyu; zvinditungamirire;
Zvindisvitse kugomo renyu dzvene,
Nokutabhenakeri dzenyu.
4Ipapo ndichasvika kuaritari yaMwari,
Kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru;
Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari,
Mwari wangu.
5Unoshuwireiko, mweya wangu?
Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu?
Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu,
Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 43: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002