Mapisarema 150
150
Rumbidzai Jehovha!
1Hareruya!
Rumbidzai Jehovha panzvimbo yake tsvene;
Murumbidzei mudenga rakaitwa nesimba rake,
2Murumbidzei nokuda kwezvaakaita nesimba rake;
Murumbidzei zvakafanira ukuru-kuru hwake.
3Murumbidzei nemitengeranwa nembira.
4Murumbidzei nengoma nokutamba;
Murumbidzei nohudimbwa nenyere.
5Murumbidzei namakandira anorira kwazvo;
Murumbidzei namakandira anorira zvakanaka.
6Zvinhu zvose zvinofema,
ngazvirumbidze Jehovha.
Hareruya!
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 150: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002