Mapisarema 149
149
Rumbidzai Jehovha nokuti ndiye anokundisa
1Hareruya!
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene.
2Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake;
Vana veZioni ngavave nomufaro
naMambo wavo.
3Ngavarumbidze zita rake
vachimutambira;
Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza
nengoma nembira.
4Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake;
Achashongedza vanyoro noruponeso;
5Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa;
Ngavaimbe nomufaro panhoo dzavo.
6Kurumbidza kukuru kwaMwari
ngakuve pahuro dzavo,
Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo;
7Kuti vatsive vahedheni;
Varange ndudzi dzavanhu;
8Kuti vasunge madzimambo avo neketani,
Navakuru vavo nezvisungo zvamatare.
9Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa;
Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi.
Hareruya!
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 149: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002