Mapisarema 133
133
Kunaka kworudo pakati pehama
Rwiyo rworwendo; rwaDhavhidhi.
1Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo
Kana hama dzichigara pamwechete norugare.
2Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro,
Anoyerera pandebvu,
Idzo ndebvu dzaAroni;
Anoburukira kusvikira pamipendero
yenguo dzake;
3Zvakafanana nedova reHerimoni,
Rinoburukira pamakomo eZioni;
Nokuti ndipo Jehovha paakaraira
kuropafadza kwake,
Ndihwo upenyu husingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 133: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002