Mapisarema 131
131
Rugare muna Jehovha
1Jehovha, mwoyo wangu
hauzvikudzi, meso angu haana manyawi;
Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru,
Kana nezvinhu zvinondikurira.
2Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu
nokuunyaradza;
Somwana wakarumurwa ari pana mai vake,
Mweya wangu wakaita kwandiri
somwana akarumurwa.
3Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha
Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 131: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002