Mapisarema 13
13
Dhavhidhi anovimba nokubatsira kwaMwari
Kumutungamiriri wokuimba; Pisarema raDhavhidhi
1Jehovha muchandikanganwa
nokusingaperi kusvikira rini?
Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko?
2Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rini,
Ndine shungu pamwoyo pangu
zuva rimwe nerimwe?
Muvengi wangu achandikurira kusvikira rini?
3Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu;
Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;
4Muvengi wangu arege kuti,
“Ndamukunda;”
Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.
5Asi ndakavimba nenyasha dzenyu;
Mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;
6Ndichaimbira Jehovha,
Nokuti akandiitira zvakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002