Mapisarema 129
129
Jehovha ngaarumbidzwe nokuti akarwira Isiraeri
Rwiyo rworwendo.
1Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu,
Isiraeri ngaadaro zvino;
2Vakanditambudza kazhinji
kubva pauduku hwangu;
Kunyange zvakadaro havana kundikunda.
3Varimi vakarima pamusana wangu;
Vakaita mihoronga yavo mirefu.
4Jehovha akarurama;
Akaguranya mabote avakaipa.
5Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure,
Ivo vose vanovenga Zioni.
6Ngavave souswa pamatenga eimba,
Hunooma husati hwakura;
7Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo,
Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.
8Navanopfuura havangati,
“Jehovha ngaakuropafadzei;
Tinokuropafadzai nezita raJehovha.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 129: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002