Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, “Muchandinyaradza riniko?” Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu. Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga riniko vanonditambudza? Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi. Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu. Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu. Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama. Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu. Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomwoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga. Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu. Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu. Ndakarerekera mwoyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma. Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:81-120
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo