Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:153-176

Mapisarema 119:153-176 SNA2002

Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu. Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu. Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga. Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu. Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu. Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu. Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi mwoyo wangu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa. Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga. Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu. Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo. Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu. Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu. Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu. Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu. Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire. Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.