Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema. Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano. Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuva mirairo yenyu. Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu. Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutonga vane simba pamusoro pangu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, Nokuti havachengeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo. Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru. Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwana mashoko enyu. Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida. Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi. Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:121-144
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo