Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 100

100
Nyika ngainamate kuna Jehovha Musiki noMufudzi
Pisarema rokuvonga.
1Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose.
2Shumirai Jehovha nomufaro;
Uyai pamberi pake muchiimba.
3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari;
Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake;
Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4Pindai pamasuo ake muchivonga,
Napavazhe dzake muchirumbidza;
Chimuvongai, murumbidze zita rake.
5Nokuti Jehovha akanaka; ngoni
dzake dziripo nokusingaperi;
Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 100: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda