Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 10:1-11

Mapisarema 10:1-11 SNA2002

Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika? Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda mwoyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, “Haangabvunzi.” Ndangariro dzake dzose dzinoti, “Hakuna Mwari.” Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. Anoti mumwoyo make, “Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.” Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira. Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake. Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.”