Saka imi, vanakomana vangu, nditeererei; Regai kutsauka pamashoko omuromo wangu. Nzira yako ngaive kure naye, Usaswedera pamukova weimba yake. Kuti urege kupa vamwe kunaka kwohujaya hwako, Namakore ako kuno ano mwoyo mukukutu; Kuti vatorwa varege kugutswa nepfuma yako, Nezvibereko zvokutambura kwako zviende kumba kwomweni. Iwe ugochema pakupedzisira kwako, Kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa, Uchiti, “Ndakavengereiko kurairirwa, Mwoyo wangu wakashorerei kurairwa? Ndakaregereiko kuteerera izwi ravadzidzisi vangu, Nokusarerekera nzeve yangu kuna vaindiraira? Ndakanga ndapinda pane zvakaipa zvose, Pakati pechiunga neungano.”
Verenga chikamu Zvirevo 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 5:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo