Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira. Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera. Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvipfeve, anorasha pfuma yake. Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza. Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure. Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo. Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo. Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa. Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo. Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza. Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa. Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose. Mambo, anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
Verenga chikamu Zvirevo 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 29:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo