Zvirevo 27
27
1Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana;
Nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.
2Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako;
Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.
3Ibwe rinorema, uye jecha rinorema;
Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.
4Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura;
Asi ndiani angamira pamberi pegodo.
5Kurairwa pachena kunopfuura
Rudo rwakavanzwa.
6Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa,
Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.
7Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi;
Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa
kunyange zvichivava.
8Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo,
Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.
9Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza mwoyo;
Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu
kunobva pakuyanana kwemweya.
10Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako;
Usaenda kumba kwomunun'una wako
nezuva renhamo yako;
Wokwako, ari pedyo, anopfuura munun'una uri kure.
11Mwanakomana wangu, iva wakachenjera,
ufadze mwoyo wangu;
Kuti ndigone kupindura anondishora.
12Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda;
Asi vasina mano vanopfuura havo,
ndokuwira munjodzi.
13Munhu anozviita rubatso kumutorwa,
umutorere nguo yake;
Umuite rubatso iye akazviita
rubatso kumukadzi wokumwe.
14Anoropafadza shamwari yake nezwi guru,
achifumira mangwanani,
Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.
15Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji
Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
16Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo;
Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
17Simbi inorodza simbi;
Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
18Ani naani anochengeta muonde,
achadya zvibereko zvawo;
Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.
19Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura,
Saizvozvo mwoyo womunhu unotarisana nomunhu.
20Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti;
Nameso omunhu haaguti.
21Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevhira nderendarama;
Saizvozvo munhu anozikanwa nezvaanofarira.
22Kunyange ukatswa benzi muduri
nomutsi pakati pezviyo zvinotsiwa,
Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.
23Shingaira uzive kuti makwai ako akadini;
Uchengete zvakanaka mapoka ako.
24Nokuti pfuma haigari nokusingaperi;
Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?
25Uswa hunoenda, bumhudza ndokubuda,
Nemiriwo yamakomo inovhunganidzwa.
26Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako,
Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.
27Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako,
nezvokudya zveimba yako,
Nokuraramisa varandasikana vako.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvirevo 27: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002