Zvirevo 16
16
1Kurangarira kwomwoyo ndokwomunhu;
Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake;
Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3Isa mabasa ako ose kuna Jehovha,
Zvawakarangarira zvigoitika.
4Jehovha akaitira chinhu chimwe
nechimwe basa racho;
Zvirokwazvo kunyange nowakaipa
akaitirwa zuva rezvakashata.
5Mumwe nomumwe, anomwoyo unozvikudza,
anonyangadza Jehovha;
Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
6Zvakaipa zvinodzikinurwa nenyasha nezvokwadi;
Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
7Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha,
Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
8Zviri nani kuva nezvishoma nokururama,
Pakuva nepfuma zhinji nokusarurama.
9Mwoyo womunhu anozvifungira nzira yake;
Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
10Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi;
Muromo wake haungaposhi pakutonga.
11Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri,
chinobva kuna Jehovha;
Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
12Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa;
Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama;
Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye.
14Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu;
Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
15Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo;
Kana achifara munhu zvakaita segore
remvura yokupedzisira.
16Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama;
zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
17Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama
ndiko kubva pane zvakaipa;
Anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
18Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa;
Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo,
Pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
20Anoteerera Shoko, achawana zvakanaka;
Anovimba naJehovha, ano mufaro.
21Ano mwoyo wakachenjera achanzi akangwara;
Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo.
22Njere itsime roupenyu kunoanadzo;
Asi kurairira kwamapenzi hupenzi.
23Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake,
Uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.
24Mashoko, anofadza, akaita somusvi wohuchi,
Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.
25Munhu anoona nzira achiti yakarurama;
Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
26Nzara yomubati inomubatira;
Nokuti muromo wake unomukurumidzira.
27Munhu, asina maturo, anofungira vamwe zvakaipa;
Pamiromo yake pano moto unopisa.
28Munhu akatsauka anokusha kukakavara;
Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodana.
29Munhu anomanikidza, anonyengedzera wokwake,
Achimutungamirira panzira isina kunaka.
30Munhu anotsinzina meso ake,
anozviita kuti afunge zvakatsauka,
Anorumana miromo yake, atoita zvakashata.
31Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka,
Inowanikwa panzira yokururama.
32Ano mwoyo murefu anopfuura ane simba;
Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha.
33Mijenya inokandirwa panguo dzechipfuva;
Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvirevo 16: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002