Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri. Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera; Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa. Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe. Kana vachiti, “Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka. Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba. Tichawana pfuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba; Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.” Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo; Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa. Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona. Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo. Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira pfuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake.
Verenga chikamu Zvirevo 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 1:1-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo