VaFiripi 3:5-8
VaFiripi 3:5-8 SNA2002
Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsiraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro ndiri muFarisi; pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurayiro ndakanga ndisina chandingapomerwa. Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu

