Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 2:25-30

VaFiripi 2:25-30 SNA2002

Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu; zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti anorwara. Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo. Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuone, mufarezve, neni ndirege kuva nenhamo. Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nomufaro wose, uye mukudze vakadai; nokuti nokuda kwebasa raKristu akanga oda kufa, akasarangarira upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.

Verenga chikamu VaFiripi 2