Numeri 2
2
Misasa yavo
1Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati, 2“Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba.
3Vanodzika kurutivi rwamabvazuva,
nokunobuda zuva nako,
vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha,
namapoka avo;
Nashoni mwanakomana waAminadhabhu
ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
4Boka rake navakaverengwa kwavari,
vakasvika zviuru zvina makumi manomwe
nezvina namazana matanhatu.
5Vanodzika kurutivi rwavo
vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari;
Netaneri, mwanakomana waZuari
ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari.
6Boka rake, navakaverengwa kwavari,
vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina,
namazana mana.
7Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu,
mwanakomana waHeroni,
ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni.
8Boka rake, navakaverengwa kwavari,
vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe,
namazana mana.
9“Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka.
10“Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni. 11Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu. 12Rudzi rwaSimeoni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimeoni. 13Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu. 14Norudzi rwaGadhi: Eriasafi, mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi. 15Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. 16Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri.
17“Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutoo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake.
18“Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu. 19Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. 20Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase. 21Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri. 22Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini. 23Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana. 24Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu.
25“Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani. 26Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe. 27Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri. 28Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu. 29Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari. 30Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana. 31Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo.”
32Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu. 33Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mosesi naJehovha. 34Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002