Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo? Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.” Mosesi akati kuna Jehovha, “VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu; vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto. Zvino kana mukauraya vanhu ava vose‐vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti, ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.’ Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti, Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina. Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.” Ipapo Jehovha akati, “Ndakanganwira sezvawakumbira. Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona, asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomwoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake. Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.”