Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 7:1-3

Nehemiya 7:1-3 SNA2002

Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa, ndikagadza Hanani munun'una wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji. Ndikati kwavari, “Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.”

Verenga chikamu Nehemiya 7