Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa, ndikagadza Hanani munun'una wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji. Ndikati kwavari, “Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.”
Verenga chikamu Nehemiya 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemiya 7:1-3
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo