Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 1:5-11

Nehemiya 1:5-11 SNA2002

ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake; nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu. Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mosesi. Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muchiti, ‘Kana muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi; asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.’ “Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba. Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu.” (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)

Verenga chikamu Nehemiya 1