Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:30-44

Mako 6:30-44 SNA2002

Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga. Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji. Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira; vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.” Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?” Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. Vakadya vose, vakaguta. Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa. Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu.

Verenga chikamu Mako 6