Akabvapo, akasvika kunyika yake, vadzidzi vake vakamutevera. Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake? Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye.
Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.”
Akasagona kubata basa resimba ipapo, asi akaisa maoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo.
Ipapo akapota nemisha, achidzidzisa.
Zvino akadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa; akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama. Asi vapfeke shangu, varege kupfeka nguo mbiri.”
Akati kwavari; “Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo. Pose pavasingakugamuchirii nokukunzwai, kana muchibvapo, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.”
Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendeuke.
Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa.
Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.”
Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.”
Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.”
Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.”
Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona; nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa.
Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru; zvino mwanasikana waHerodhiasi amene akapinda, akatamba, akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana, “Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.” Akamupikira, achiti, “Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.”
Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro.
Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga.