Mako 5
5
Jesu anobudisa mweya yakaipa yavaGerasa
(Mateu 8:28-34; Ruka 8:26-39)
1Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa. 2Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda. 3Uyo aigara mumarinda; kwakanga kusino munhu akanga achagona kumusunga kunyange nengetani. 4Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa. 5Nguva dzose, usiku namasikati, aigara mumarinda nomumakomo, achiridza mhere, achizvicheka namabwe.
6Zvino akati achiona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumupfugamira; 7akadanidzira nezwi guru, akati, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.” 8Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!”
9Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.”
10Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
11Zvino kwakanga kuine pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura. 12Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.” 13Akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda, ikapinda munguruve; boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zviuru zviviri, dzikafira mugungwa.
14Vaidzifudza vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta nomumaruwa. Vanhu kauya kuzoona zvaitwa.
15Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya. 16Vaya vakanga vazviona, vakarondedzera zvaakaitirwa iye akanga anemweya yakaipa, nenguruvewo.
17Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
18Zvino akati achipinda muigwa, iye aiva nemweya yakaipa akakumbira zvikuru kwaari kuti agare naye.
19Asi haana kumutendera, asi akati kwaari, “Enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naIshe, napawakaitirwa ngoni napo.”
20Akaenda, akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu; vakashamiswa vose.
Jesu anoporesa mukadzi aibuda ropa, uye anomutsa mwanasikana waJairosi
(Mateu 9:18-26; Ruka 8:40-56)
21Jesu akati ayambukirazve mhiri negwa, vanhu vazhinji vakaunganira kwaari; akanga ari pagungwa. 22Mumwe wavakuru vesinagoge, wainzi Jairosi, akasvika; akati achimuona, akazviwisira pasi petsoka dzake, 23akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.”
24Akaenda naye; vanhu vazhinji vakamutevera, vachimutsikirira.
25Zvino mumwe mukadzi aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, 26akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa, 27akati anzwa zvaJesu, akauya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguo yake. 28Nokuti akati, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.”
29Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa pamuviri wake kuti aporeswa pakurwara kwake. 30Pakarepo Jesu akati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendeuka pakati pavanhu vazhinji, akati, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
31Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?”
32Zvino akaringa-ringa kuti aone akaita izvozvo. 33Mukadzi akatya, akadedera, achiziva zvaaitirwa, akauya, ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuudza zvirokwazvo zvose. 34Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”
35Akati achataura, vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika, vakati, “Mukunda wenyu afa; muchatambudzireiko Mudzidzisi?”
36Jesu akati achinzwa shoko rataurwa, akati kumukuru wesinagoge, “Usatya, tenda bedzi.” 37Akasatendera munhu kumutevera, asi Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una waJakobho. 38Vakasvika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere-mhere, navanochema zvikuru, navanorira. 39Akapinda, akati kwavari, “Munoitireiko mhere-mhere, muchichema? Mwana haana kufa, asi avete.”
40Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai, navaakanga anavo, akapinda kwakanga kuno mwana. 41Akabata ruoko rwomwana, akati kwaari, “Tarita kumi!” Ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri, muka!”
42Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiva namakore ane gumi namaviri; vakashamiswa nokushama kukuru.
43Akavarayira zvikuru kuti zvirege kuziikanwa nomunhu; akati musikana ungaapiwe zvokudya.
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002