Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa. Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda. Uyo aigara mumarinda; kwakanga kusino munhu akanga achagona kumusunga kunyange nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, usiku namasikati, aigara mumarinda nomumakomo, achiridza mhere, achizvicheka namabwe.
Zvino akati achiona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumupfugamira; akadanidzira nezwi guru, akati, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.” Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!”
Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.”
Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
Zvino kwakanga kuine pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura. Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.” Akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda, ikapinda munguruve; boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zviuru zviviri, dzikafira mugungwa.
Vaidzifudza vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta nomumaruwa. Vanhu kauya kuzoona zvaitwa.
Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya.