Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 4:35-41

Mako 4:35-41 SNA2002

Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.” Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga aiva naye. Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara. Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?” Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?” Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”

Verenga chikamu Mako 4

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMako 4:35-41