Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 2:23-28

Mako 2:23-28 SNA2002

Kwakati nomusi weSabata, achifamba napakati peminda, vadzidzi vake vakatanga kupurura hura vachifamba. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye? Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?” Akati kwavari, “Sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata; naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabatawo.”

Verenga chikamu Mako 2