Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:32-36

Mako 14:32-36 SNA2002

Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.” Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.” Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”

Verenga chikamu Mako 14